Mark 5:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakaʋona wakaŋga anemŋeya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye — iye waiʋa neregioni; ʋakatya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakasvika pana Jesu vakaona munhu uya aipoterwa nemweya yakaipa agere zvake, akatosimirawo, pfungwa dzake dzatodzikama, iye uya aiva nehondo yemweya yakaipa, vakabva vatya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakauya kuna Jesu, vakaona akanga ane mweya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye iye aiva neRegioni; vakatya.
Shona 2009?
Vakasvika kuna Jesu, vakavona uyo wakanga ane mweya yakaipa, iye waiva neRigiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
Shona SUB 2002 Bible
Vakauya kuna Jesu, vakaona akanga ane mweya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye iye aiva neRegioni; vakatya.