Mark 5:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aɓuɗa mugwa, pakarepo akasoŋgana nomunhu waiʋa nomŋeya wetȿina, acibva kumarinda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu achingobuda mugwa, akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumakuva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati abuda muigwa, pakarepo akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumarinda.
Shona 2009?
Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo akasongana nomunhu achibva kumarinda anomweya wetsvina,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati abuda muigwa, pakarepo akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumarinda.