Mark 5:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda, akataŋga kuparidza munyika ye Dekapori ɀinhu ɀikuru ɀaakaitirwa naJesu; ʋakashamiswa ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu uya akabvapo ndokutanga kuparidza mudunhu reDhekapori zvinhu zvaakaitirwa naJesu. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo nazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaenda, akatanga kuparidza munyika yeDhekapori zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu; vakashamiswa vose.
Shona 2009?
Akaenda akabva akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu zvaakaitirwa naJesu; vose vakashamiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Akaenda, akatanga kuparidza munyika yeDhekaporisi zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu; vakashamiswa vose.