Mark 5:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Mukunda waŋgu muɗuku wotandadza, ʋuyai, muise maʋoko enyu pamsoro pake aporeswe, ararame.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro kuti agoporeswa uye ararame.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamuteterera kwazvo achiti, “Mwanasikana wangu muduku atova kutandadza. Uyai, muise maoko enyu paari aporeswe, ararame.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai, muise maoko enyu pamusoro pake aporeswe, ararame.”
Shona 2009?
Akamugombedzera zvikuru achiti: Mukunda wangu muduku wotandadza, vuyai muise mavoko enyu pamusoro pake aponeswe uye uchararama.
Shona SUB 2002 Bible
akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai, muise maoko enyu pamusoro pake aporeswe, ararame.”