Mark 5:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
wakaŋga aʋoneswa nhamo neŋaŋga zhinji, akapedza ɀose ɀaakaŋga anaɀo asina‐kutoŋgoɓatsirwa, asi kuŋgonyanyiswa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akanga aoneswa nhamo nevarapi vazhinji, akapedza zvose zvaakanga anazvo asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa,
Shona 2009?
wakanga atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakanga apedza zvose zvaakanga anazvo, asina kutongobatsirika, asi kungonyanyisa.
Shona SUB 2002 Bible
akanga aoneswa nhamo nevarapi vazhinji, akapedza zvose zvaakanga anazvo asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa,