Mark 5:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋadzidzi ʋake ʋakati kwaari: Munoʋona ʋanhu ʋazhinji ʋanokumanikidzai, ɀino muŋgati seiko: Ndiani wandiɓata?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vadzidzi vake vakati kwaari, “Muri kuona gurusvusvu ravanhu richidzvinyirirana nemi, asi imi moti, ‘Ndiani andibata?’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadzidzi vake vakati kwaari, “Munoona vanhu vazhinji vanokutsikirirai, zvino mungati seiko, ndiani andibata?”
Shona 2009?
Vadzidzi vake vakati kwaari: Munovona chaunga chikuru chinokutsimbirirai, zvino moti ndiani wandibata?
Shona SUB 2002 Bible
Vadzidzi vake vakati kwaari, “Munoona vanhu vazhinji vanokutsikirirai, zvino mungati seiko, ndiani andibata?”