Mark 5:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye ndokumuti, “Mukunda, chitendero chako chakuporesa; chienda hako norugare, uyezve chirwere chako ngachipere uve wadi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.”
Shona 2009?
Zvino akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa, enda norugare, upore pachifo chako.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.”