Mark 5:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaȿika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere‐mhere, naʋanocema ɀikuru, naʋanorira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pavakasvika kumba kwomutungamiri wesinagogu, akawana paine mhere mhere kwazvo yokuchema nokuungudza kukuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakasvika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere-mhere, navanochema zvikuru, navanorira.
Shona 2009?
Vakasvika mumba momukuru wesinagoge, akavona mhere-mhere navaichema nokurira zvikuru.
Shona SUB 2002 Bible
Vakasvika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere–mhere, navanochema zvikuru, navanorira.