Mark 5:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kazhinji waisuŋgwa neɀisuŋgo ɀamakumbo namaketani, asi waiɗambura maketani, nokuɗashura ɀisuŋgo; kwakaŋga kusinomunhu waigona kumunyoroʋesa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti aimbosungwa namajoti nengetani kazhinji, asi aidambura ngetani nokuita majoti udimbu — udimbu. Naizvozvo kwakanga kusisina aigona kumudzikamisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kazhinji aisungwa nezvisungo zvamakumbo nengetani, asi aidambura ngetani, nokudashura zvisungo; kwakanga kusino munhu aigona kumudzikamisa.
Shona 2009?
nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvamakumbo namaketani, asi maketani aidamburwa napakati naye, nezvisungo waidambura kuita zvidimbu; saizvozvo kwakanga kusina waigona kumupingudza.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kazhinji aisungwa nezvisungo zvamakumbo nengetani, asi aidambura ngetani, nokudashura zvisungo; kwakanga kusino munhu aigona kumudzikamisa.