Mark 5:43 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaraira ɀikuru kuti ɀirege kuzikanwa nomunhu; akati, ŋgaapiwe ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavakohomedza kuti zvirege kuzivikanwa kana nomunhu zvake ndokuvaudza kuti vape musikana chokudya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavarayira zvikuru kuti zvirege kuziikanwa nomunhu; akati musikana ungaapiwe zvokudya.
Shona 2009?
Akavaraira zvikuru kuti hakuna munhu unofanira kuzviziva; akati apiwe zvokudya.
Shona SUB 2002 Bible
Akavaraira zvikuru kuti zvirege kuziikanwa nomunhu; akati musikana ungapiwe zvokudya.