Mark 6:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Herode wakaŋga atuma ʋanhu, akaɓata Johane, akamusuŋga mutoroŋgo nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake, nokuti wakaŋga amuwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womunun'una wake Firipi waakanga awana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti Herodhi uyu akanga atuma vanhu kundobata Johani akamuisa mujeri pamusana paHerodhiasi, mudzimai waFiripi, munun'una wake waakatora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Herodhi akanga atuma vanhu, akabata Johani, akamusunga mujeri nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake, nokuti akanga amuwana.
Shona 2009?
Nokuti Herodhe pachake wakanga atuma \add vanhu\add* akabata Johwani, akamusunga mutirongo nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake; nokuti \add Herodhe\add* wakanga amuwana.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Herodhi akanga atuma vanhu, akabata Johani, akamusunga mujeri nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake, nokuti akanga amuwana.