Mark 6:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musi wesaɓata wakati waȿika, akataŋga kudzidzisa musinagoge; ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimunzwa, ʋakashamiswa, ʋaciti: Munhu uyu wawanepiko iɀoɀi? Kucenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namaɓasa esimba akaɗai anoitwa namaʋoko ake?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa. Vakabvunza vachiti, “Munhu uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti wava musi weSabata, akatanga kudzidzisa musinagogu. Vazhinji vakamunzwa vakashamiswa kwazvo vachiti, “Ko nhaimi, uyu akawanepiko zvinhu izvi? Ko ungwaru hworudziiko hwakapiwa kune munhu uyu? Naizvoka zvishamiso zvaanoita namaoko ake!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musi weSabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge; vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu awanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namaoko ake?
Shona 2009?
Zvino musi wesabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, vazhinji vachimunzwa, vakashamiswa vachiti: Uyu wakawanepiko izvozvi? Njere dzakapiwa munhu uyu ndedzeiko? kuti namabasa esimba akadai anoitwa namavoko ake?
Shona SUB 2002 Bible
Musi weSabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge; vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu awanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namaoko ake?