Mark 6:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti Herode wakaŋga acitya Johane, aciziʋa kuti munhu wakarurama, mutȿene, akamuceŋgeta ɀakanaka. Wakati amunzwa, akakaŋganiswa kwaɀo, akasifara kumunzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama nomutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti Herodhi aitya Johani nokuti aiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, aimudzivirira. Zvaimutambudza kwazvo kunzwa zvaaireva asi zvaimufadza kuteerera zvaaitaura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti Herodhi akanga achitya Johani, achiziva kuti munhu akarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Akati amunzwa, akatambudzika kwazvo kunyangwe zvakadaro, aisafanira kumunzwa.
Shona 2009?
nokuti Herodhe wakanga achitya Johwani, achiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Zvino paakamunzwa wakaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti Herodhi akanga achitya Johani, achiziva kuti munhu akarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Akati amunzwa, akatambudzika kwazvo kunyangwe zvakadaro, aisafanira kumunzwa.