Mark 6:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko uyu haazi muʋezi here, mŋanakomana waMaria, nomukoma waJakobo, naJose, naJuda, naSimoni? Nehanɀadzi dzake hadzizi pano pakati patiri here? Ʋakagumburwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko handiye muvezi here uyu, mwana waMaria, mukomanomunun'una nanaJemusi naJosesi naJudhasi naSimoni. Ko hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Vakabva vamugumbukira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano pakati patiri here?” Vakagumburwa naye.
Shona 2009?
Ko uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.
Shona SUB 2002 Bible
Ko uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano pakati patiri here?” Vakagumburwa naye.