Mark 6:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Ʋuyai imi muri moga kunɀimbo murenje, muzorore ɀishoma; nokuti kwakaŋga kunaʋazhinji ʋaiʋuy naʋaienda, ʋakasaʋa neŋguʋa kunyaŋge yokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo iye akati kwavari, “Chiuyai imi muri moga tiende kunzvimbo isina vanhu mumbozorora.” Nokuti vanhu vazhinji vakarambouya nokuenda zvokuti vakanga vachishaiswa kunyange nenguva yokudya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Uyai imi muri moga tiende kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma;” nokuti kwakanga kuna vazhinji vaiuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya.
Shona 2009?
Akati kwavari: Vuyai imwi pachenyu muri moga kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma: Nokuti kwakanga kunavazhinji vaivuya nokuenda, vakasava nemukana kunyange wokudya.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Uyai imi muri moga tiende kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma;” nokuti kwakanga kuna vazhinji vaiuya navaienda, vakasava nenguva kunyangwe yokudya.