Mark 6:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋakafanana namakwai asinomufudzi; akataŋga kuʋadzidzisa ɀizhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achibuda muigwa, akaona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji.
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati achibuda, akavona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asinomufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achibuda muigwa, akaona vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji.