Mark 6:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapindura, akati kwaʋari: Imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Tiŋgaenda kundoteŋga ɀiŋgwa namadenari anamazana maʋiri, tiʋape ʋadye here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.” Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akavapindura achiti, “Vapei, iyemi, zvokudya.” Ivo ndokuti kwaari, “Mungati tiende tingondotenga zvingwa zvamazana maviri amadhenari kuti tigozovapa vadye here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapindura, akati kwavari, “Imi muvapei zvavangadya.” Vakati kwaari, “Tingaenda kundotenga zvingwa nemadhenari ana mazana maviri, tivape vadye here?”
Shona 2009?
Akapindura akati kwavari: Imwi muvapei kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here kundotenga zvingwa zvamadhenari* anamazana maviri, tivape vadye?
Shona SUB 2002 Bible
Akapindura, akati kwavari, “Imi vapei zvavangadya.” Vakati kwaari, “Tingaenda kundotenga zvingwa nemadhinari ana mazana maviri, tivape vadye here?”