Mark 6:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu ndokuti kwavari, “Hakuna kwaasingaremekedzwi muporofita kusara kwomudunhu rokwake, nomukati mehama dzake nomukati mevemba yake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.”
Shona 2009?
Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, napakati pehama dzake, nomumba make.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.”