Mark 6:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakarepo akagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye aciendisa ʋanhu ʋazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Bhetisaidha, iye achiendesa vanhu vazhinji.
Shona 2009?
Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kuti vapinde muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achiendisa vanhu vazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Bhetisaidha, iye achiendesa vanhu vazhinji.