Mark 6:48 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciʋona kuti ʋanotambudzika nokukwaȿa, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa, neŋguʋa ineŋge seyecinna yoʋusiku, akaʋuya kwaʋari acifamba pamsoro peguŋgwa; akaɗa kupfuʋura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achiona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yousiku, akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuura.
Shona 2009?
Zvino wakavavona vachitambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichipesana navo, akavuya kwavari nenguva inenge seyechina yovusiku, achifamba pamusoro pegungwa; achida kuvapfuvura.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achiona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yousiku, akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuura.