Mark 6:55 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakamhanyira munyika yose iyo, ʋakataŋga kutakura ʋairwara panhoʋo dzaʋo, ʋakaʋaisa paʋainzwa kuti ndiko kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakamhanyidzana mudunhu iroro rose. Vakatanga kutakura varwere pauvato hwavo vachienda navo kwose kwavainge vanzwa kuti ndokwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhoo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari.
Shona 2009?
vakamhanyira munharaunda yose yakapoteredza, vakatanga kutakura vairwara panhovo, \add vakavaisa\add* kwavainzwa kuti ndiko kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhoo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari.