Mark 6:56 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, ʋakaradzika ʋairwara paɗare, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti ʋaɓate kunyaŋge mupendero weŋguʋo dzake cete; ʋose ʋakamuɓata ʋakaporeswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuri kwose kwaakapinda mumisha, nomumaguta, nomumaruwa, vanhu vaivanzarika varwere pamisika vachimukumbirisa kuti varwere vabate kana mupendero zvawo wehanzu yake. Vose vakaubata vakaporeswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa vakaradzika vairwara padare, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.
Shona 2009?
Zvino pose paakapinda pamisha kana pamaguta, kana paruwa, vakaradzika vairwara panzira dzomumisha, vakamukumbira zvikuru kuti \add varwere\add* vabate kunyange mupendero wenguvo dzake chete; uye vose vakamubata vakaporeswa.
Shona SUB 2002 Bible
Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa vakaradzika vairwara padare, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyangwe mupendero wenguo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.