Mark 6:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaʋaraira kuti ʋarege kutoŋgotora ɀomunzira, asi muɗonɀo ɓedzi; ʋarege kutora ciŋgwa, nehomboɗo, nemari mucikwama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavaudza kuti varege kutakura chinhu parwendo rwavo kusiya tsvimbo chete, varege kutakura chingwa kana tsapo kana mari zvayo mumindya yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akavarayira kuti “Varege kutongotora zvomunzira, asi mudonzvo bedzi; varege kutora chingwa, nehombodo, nemari muchikwama.
Shona 2009?
Akavaraira kuti varege kutongotora chinhu cherwendo asi mudonzvo chete; \add varege kutora\add* kana chingwa nehombodo nemari muchikwama.
Shona SUB 2002 Bible
akavaraira kuti “Varege kutongotora zvomunzira, asi mudonzvo bedzi; varege kutora chingwa, nehombodo, nemari muchikwama.