Mark 7:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti Mosesi wakati: Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, ʋuye, unotuka ɓaɓa namai, ŋgaafe norufu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Mosesi akati, “Kudza baba vako naamai vako uye anotuka baba vake kana amai vake anofanira kutofa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti Mosesi akati, ‘Kudza baba vako namai vako, uye anotuka baba namai, ngaafe norufu.’
Shona 2009?
nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye aninani unotuka baba kana mai, ngaafe rufu.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti Mosesi akati, ‘Kudza baba vako namai vako, uye anotuka baba namai, ngaafe norufu.’