Mark 7:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi munoti: Kana munhu aciti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri caʋa Korbani, ndokuti caʋa cipo kunaMŋari,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari),
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi munoti, “Kana munhu akati kuna baba kana kuna amai vake, ‘Chinhu chandingadai ndakuyamurai nacho chave Korobhani’ (zvichireva kuti chipo chasumwa kuna Mwari),
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi imi munoti, kana munhu achiti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Koribhani,’ ndokuti chava chipo chaMwari,
Shona 2009?
Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kunababa vake kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chava chipo \add kunaMwari\add*,
Shona SUB 2002 Bible
“Asi imi munoti, kana munhu achiti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Koribhani,’ ndokuti chava chipo chaMwari,