Mark 7:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati abva kuʋanhu ʋazhinji, apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ɀomufananidzo uyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga apinda mumba, abva zvino pavanhu, vadzidzi vake vakamubvunza nezvomuenzaniso uyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.
Shona 2009?
Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.