Mark 7:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asiŋgaɗi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuɀiʋanza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akazobvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni akapinda mune imwe imba asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu, asi haaigona kuvanzika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza.
Shona 2009?
Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuti zvizikamwe nomunhu, asi akakoniwa kuzvivanza.
Shona SUB 2002 Bible
Akasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTaya neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza.