Mark 7:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye mukadzi waiʋa muGiriki, worudzi rwaʋeSirofenike; akaramba acikumbira kwaari kuti aɓuɗise mŋeya wakaipa pamŋanasikana wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai uyu aiva muGiriki worudzi rweSirofonikia. Akamukumbira kuti adzinge mweya wakaipa waiva mumwanasikana wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye mukadzi aiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.
Shona 2009?
Zvino mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pakuzvarwa; akamugombedzera kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye mukadzi aiva muGiriki, worudzi rwaveSairofonishia; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.