Mark 7:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda kumba kwake, akawana mŋana aʋete pamubeda, mŋeya wakaipa wabva.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai uya akabva aenda kumba kwake akasvikowana mwana avete pamubhedha mweya wakaipa wabva maari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubhedha, mweya wakaipa wabva.
Shona 2009?
Zvino akaenda kumba kwake, akawana mweya wakaipa wabuda, mwana avete panhovo.
Shona SUB 2002 Bible
Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubhedha, mweya wakaipa wabva.