Mark 7:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acibva ɀe munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kuguŋgwa reGarirea, napakati penyika yeDekapori.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu akabva mudunhu reTire akapfuura nomuSidhoni achinanga kugungwa reGarirea; akaenda napakati penyika yeDhekaporisi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achibvazve munyika yeTire, akaenda napakati peSidhoni kugungwa reGariria, napakati penyika yeDhekapori.
Shona 2009?
Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akasvika kugungwa reGariri, napakati pemuganhu weDhekapori.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achibvazve munyika yeTaya, akaenda napakati peSidhoni kuGungwa reGareriya, napakati penyika yeDhekaporisi.