Mark 7:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira, ʋakakumbira ɀikuru kuti aise ruʋoko rwake pamsoro pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kutaura zvakawanda, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari matsi asingagoni kunyatsotaura. Vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaisa kwaari munhu wematsi, aiva mbeveve, vakakumbira zvikuru kuti aise ruoko rwake pamusoro pake.
Shona 2009?
Vakaisa kwaari umwe waiva matsi waikakamira, vakamugombedzera kuti aise ruvoko rwake pamusoro pake.
Shona SUB 2002 Bible
Vakaisa kwaari munhu wematsi, aiva mbeveve, vakakumbira zvikuru kuti aise ruoko rwake pamusoro pake.