Mark 7:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakaʋaraira, kuti ʋarege kuʋudza ʋanhu; asi iye acinyanya kuʋaraira, iʋo ʋakanyanyisa kuparidza iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu. Asi paakanyanya kuita izvozvo, ndipo pavakanyanya kutaura nezvazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavatsindidza kuti vasataurire izvi kuna ani zvake. Asi sokunyanya kutsindidza kwaakavaita, vakabva vatonyanyawo kuzviparidzira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akavarayira, kuti varege kuudza vanhu; asi iye achinyanya kuvarayira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo.
Shona 2009?
Zvino wakavaraira, kuti varege kuvudza munhu; asi iye achinyanya kuvaraira, ivovo vakanyanyisa kuparidza \add izvozvo\add*.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akavaraira, kuti varege kuudza vanhu; asi iye achinyanya kuvarayira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo.