Mark 7:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋacidya paɗare haʋaŋgadyi ʋasinakumboshamba; neɀimŋe ɀizhinji ɀiri’po ɀaʋakaŋga ʋagamucira, kuti ʋaɀiceŋgete, ɀinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika zhinji, dzakadai sokushambidza mikombe, matende, nemidziyo yokuvirisa mvura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kana vachinge vabva kumusika havambodya chinhu vasina kushamba. Dziripo dzimwe tsika zhinji dzavakatora kumadzitateguru avo dzavanochengeta sokuti kusuka komichi, nehari, nemidziyo yekopa (nemibhedha).
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vachibva kumusika havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.
Shona 2009?
Kana vachibva pamisika, kunze kokuti vamboshamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, \add zvinoti\add*: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira neyematafura.
Shona SUB 2002 Bible
Kana vachibva kumusika havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.