Mark 8:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomusi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀinna ɀiŋgwa ɀinomŋe, makanoŋga mateŋgu maŋganiko akazadzwa neɀimeɗu? Ʋakati: Manomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?” Vakapindura vakati, “Manomwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ko paya pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makaunganidza nhengwana dzizere ngani dzezvimedu?” Vakati kwaari, “Nomwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nomusi wandakamedurira vane zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu?” Vakati, “Manomwe.”
Shona 2009?
uye nomusi wezvinomwe pavanezvuru zvina, matengu manganiko akazadzwa nezvimedu amakanonga? Vakati: Manomwe.
Shona SUB 2002 Bible
“Nomusi wandakamedurira vane zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu?” Vakati, “Manomwe.”