Mark 8:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaɓata ruʋoko rweɓofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate mumeso ake, akaisa maʋoko pamsoro pake, akamubvunza aciti: Unoʋona cinhu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabata munhu akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamubata ruoko oenda naye kunze kwomusha. Akapfira mate pamaziso ake, akaisa maoko ake paari ndokumubvunza kuti, “Pane chaunoona here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabata ruoko rwebofu, akariisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pamaziso aro, akaisa maoko pamusoro pake, akamubvunza achiti, “Unoona chinhu here?”
Shona 2009?
akabata bofu neruvoko \add rwaro\add*, akaribudisira kunze komusha, akati apfira meso aro, akaisa mavoko pamusoro paro, akaribvunza kana richivona chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
Akabata ruoko rwebofu, akariisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pamaziso aro, akaisa maoko pamusoro pake, akamubvunza achiti, “Unoona chinhu here?”