Mark 8:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akaisa ɀe maʋoko pamsoro pameso ake, iye akatarisisa, akaporeswa, akaʋona ɀose ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaisazve maoko ake pamaziso pake, iye ndokuramba akangoti ndee kutarisisa, ndokubva aporeswa. Akabva avakuona zvakanaka zvinhu zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akaisazve maoko pamusoro pamaziso aro, iye akatarisisa, akaporeswa, akaona zvose zvakanaka.
Shona 2009?
Mushure maizvozvo akaisazve mavoko pamusoro pameso ake akamutaridza kudenga, akaporeswa, akavona zvose zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akaisazve maoko pamusoro pamaziso aro, iye akatarisisa, akaporeswa, akaona zvose zvakanaka.