Mark 8:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu naʋadzidzi ʋake ʋakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza ʋadzidzi ʋake akati kwaʋari: Ʋanhu ʋanoti ndini aniko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akaenda navadzidzi vake kumisha yokuSezariafiripi. Vachiri munzira, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti ndini ani?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari, “Vanhu vanoti ndini aniko?”
Shona 2009?
Zvino Jesu akabuda navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; \add vari\add* munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini aniko?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeSizaria Firipi; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari, “Vanhu vanoti ndini aniko?”