Mark 8:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaraira ɀikuru kuti ʋarege kuziʋisa munhu iɀoɀo ɀake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akatsindidza kuti vasambozviudza ani naani zvake nezvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavarayira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvo nezvake.
Shona 2009?
Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu pamusoro pake.
Shona SUB 2002 Bible
Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvo nezvake.