Mark 8:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akataŋga kuʋadzidzisa kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kutambudzika ɀizhinji nokurashwa naʋakuru, naʋaprista ʋakuru, naʋanyori, aʋurawe, amuke ɀe mazuʋa matatu apfuʋura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazotangisa kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru, agorambwa navakuru vakuru, navapristi vakuru, nenyanzvi dzoMutemo, ozouraiwa; asi agomukazve mushure memazuva matatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokuraswa navakuru, navapristi vakuru, navanyori, aurawe, amukezve mazuva matatu apfuura.
Shona 2009?
Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nokurambwa navakuru, navaprista vakuru, navanyori, agovurawa, mushure mamazuva matatu, amukezve.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokuraswa navakuru, navapristi vakuru, navanyori, auraiwe, amukezve mazuva matatu apfuura.