Mark 8:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakatendeʋuka, ndokutarira ʋadzidzi ʋake, akaraira Petro, akati: Ibva shure kwaŋgu, Satani, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jesu akati atendeuka akatarira kuvadzidzi vake, akatsiura Petro akati, “Enda shure kwangu, Satani! Iwe hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako, asi zvinhu zvavanhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akatendeuka akaona vadzidzi vake ndokubva atsiudza Pita achiti, “Ndibvirepo, Satani womunhu! Mafungiro akadai haasi aMwari asi avanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akatendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petirosi, akati, “Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”
Shona 2009?
Asi iye wakatendevuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akatendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petirosi, akati, “Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”