Mark 8:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti aninani unonyara pamsoro pamashoko aŋgu parudzi urwu rwoʋupombge nokutadza, Mŋanakomana womunhu ucanyara ʋo pamsoro pake, musi waanoʋuya nokubginya kwake naƂaɓa ʋake naʋatumŋa ʋatȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu achinyadzwa uye achinyadzwa namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadzwawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba navatumwa vatsvene.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.”
Shona 2009?
Nokuti aninani unonyara pamusoro pangu namashoko angu parudzi urwu rwovupombwe nokutadza, Mwanakomana womhunhu uchanyaravo pamusoro pake, paanovuya mukubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.”