Mark 8:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi, akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaise pamberi paʋo; ʋaka ɀi isa pamberi paʋazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino akati vanhu ngava gare pasi. Akatora zvingwa zvinomwe zviya akatenda, ndokuzvimedura ozvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Ivo ndokuzvipa kuvanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akarayira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji.
Shona 2009?
Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, aka\add zvi\add*medura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi \add pavo\add*; vakazviisa pamberi pavazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akarayira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji.