Mark 9:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋamŋe ʋari’po kunaʋamire pano, ʋasiŋgazoʋoni rufu, ʋasati ʋaʋona ʋushe bgaMŋari bguciʋuya nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazoti kwavari, “Zviro kwazvo ndinoti kwamuri, kune vamwe vamire pano vasingambofi vasati vaona umambo hwaMwari hwatouya nesimba.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazooni rufu, vasati vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.”
Shona 2009?
Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano, vasingazoraviri rufu, vasati vavona ushe hwaMwari hwuchivuya nesimba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazooni rufu, vasati vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.”