Mark 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Eria ucataŋga kuʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose, asi kwakagonyorwa seiko ɀoMŋanakomana womunhu, kuti ucatambudzika ɀikuru nokuɀidzwa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwavari, “Hongu zvazvo Eriya achafanouya achizodzorera zvinhu pakare asi sei zvakanyorwa nezvoMwanakomana womunhu kuti anofanira kutambudzika zvikuru nokushorwa?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Eria achatanga kuuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti achatambudzika zvikuru nokuzvidzwa?
Shona 2009?
Akapindura akati kwavari: Eria zvirokwazvo uchatanga kuvuya hake, avandudze zvinhu zvose; asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nokuzvidzwa?
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Eriya achatanga kuuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti achatambudzika zvikuru nokuzvidzwa?