Mark 9:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋaȿika kuʋadzidzi, ʋakaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaʋakomba, naʋanyori ʋaciita nyaya naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti vadzokera kuna vamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa negungano guru ravanhu; nyanzvi dzoMutemo dzichiitirana nharo navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vasvika kuvadzidzi, vakaona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo.
Shona 2009?
Zvino wakati asvika kuvadzidzi, vakavona chaunga chikuru chakavakomba, navanyori vachipikisana navo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vasvika kuvadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo.