Mark 9:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakarepo ʋazhinji ʋose ʋakati ʋacimuʋona, ʋakashamiswa kwaɀo, ʋakamhanyira kwaari, ʋakamukwazisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gungano riya rose parakangomuona rakashamiswa kwazvo, rakamhanyira kwaari, ndokumukwazisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa.
Shona 2009?
Pakarepo chaunga chose chakati chichimuvona chikashamiswa kwazvo, chikamhanyira \add kwaari\add*, chikamukwazisa.
Shona SUB 2002 Bible
Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa.