Mark 9:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwose kwaanomuɓata, unomuwisira pasi, acipupuma furo, acigeɗa‐geɗa meno, ʋuye unowonda kwaɀo; ndakataura naʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwose kwose kwaunomubata unomuwisira pasi womupupisa furo achirumanidza mazino, obva ati papata kuoma. Zvino ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi vakoniwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwose kwaanomubata, anomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, uye anoonda kwazvo. Ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.”
Shona 2009?
pose paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nokugeda-geda meno ake, uye unowoma mutezo; zvino ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
Shona SUB 2002 Bible
Kwose kwaanomubata, anomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda–geda meno, uye anoonda kwazvo. Ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.”