Mark 9:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane, akaenda naʋo kurutiʋi mugomo refu ʋari ʋoga; akashanduka pamberi paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Pita naJemusi naJohani ndokuvatungamirira mugomo refu vari pachavo voga. Akasanduka pamberi pavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani, akaenda navo mugomo refu kurutivi vari voga; akasanduka pamberi pavo.
Shona 2009?
Zvino mushure mamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJokobho, naJohwani, akavatungamirira mugomo refu, vari voga; akashandurwa pamberi pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani, akaenda navo mugomo refu kurutivi vari voga; akasanduka pamberi pavo.