Mark 9:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuya naye kwaari; wakati acimuʋona, pakarepo mŋeya ukamubvundisa, akawira pasi, akakuŋguruka, acipupuma furo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakauya nomukomana uya kwaari, mweya pawakaona Jesu wakabva wapfurupfutisa mukomana uya, akawira pasi akaumburuka achipupa furo kumuromo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakauya naye kwaari; akati achimuona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo.
Shona 2009?
Vakavuya naye kwaari; wakati achimuvona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akakunguruka achipupuma furo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakauya naye kwaari; akati achimuona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo.