Mark 9:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋacimhanyirana pamŋe cete, akaraira mŋeya wetȿina, akati kwauri: Iwe, mŋeya wembeʋeʋe nematsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupinda ɀe maari!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu achiona kuti gungano ravanhu rava kuti wiri — wiri kuungana, akatsiura mweya wetsvina achiti, “Iwe mweya wembeveve newematsi ndiri kukuudza kuti, ‘Buda maari, uye usazopindazve maari.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati achiona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwechete, akarayira mweya wakaipa, akati kwauri, “Iwe, mweya wembeveve nematsi, ndinokurayira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!”
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati achivona chaunga chichimhanyirana pamwe chete, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: \add Iwe\add*, mweya wembeveve namatsi, ndinokuraira \add kuti\add* ubve maari, urege kupindazve maari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati achiona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwechete, akarayira mweya wakaipa, akati kwauri, “Iwe, mweya wembeveve nematsi, ndinokurayira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!”